Zvirimo
(Dzvanya kuti udzike kusvika panzvimbo yauri kuda)
Zvirimo zvakachengetedzwa nemitemo yeIntellectual Property Laws
Mafaira ezvinyorwa nemifananidzo, zvimedu zvezvinoteererwa nemavhidhiyo, uye zvimwe zvirimo pawebhusaiti ino ndezve DEREK PRINCE MINISTRIES-INTL INC (zvichinzi 'Derek Prince Ministries'). Kodzero dzeIntellectual Property uye kodzero dzezvimwe zvinhu zviri pawebhusaiti ino dzinogona kuve dzakachengetedzwa nevamwe vanhu kana masangano, vakamiririra Derek Prince Ministries. Derek Prince Ministries inorambidza zvikuru kukopwa kwezvinhu zvakadzivirirwa zviri pawebhusaiti ino, kunze kwekunge zviri mukushandiswa kwakafanira sekutsanangurwa kwazvakaitwa mumutemo wekodzero, sezvazvakatsanangurwa pasi apa.
Kushandisa Zvakafanira Kunobvumirwa
Kushandisa zvakanaka zvinhu zvakachengetedzwa nekodzero kunosanganisira kushandiswa kwezvinhu zvakachengetedzwa pazvidzidzo zvisingabhadharwe, zvinosanganisira kudzidzisa, kupa rubatsiro rwekudzidza, kutsvagurudza, kushoropodza, kuongorora, uye kutora nhau. Kunze kwekunge zvataurwa zvimwe, vashandisi vanoshuvira kudhawunirodha kana kupurinda mafaira ezvinyorwa nemifananidzo kubva pawebhusaiti ino vanogona kuzviita vasina mvumo kubva kuDerek Prince Ministries, chero vachitevedzera zviga zvinotevera:
- Zviri mukati zvinofanira kushandiswa chete pazvinangwa zvemunhu pachake, zvedzidzo kanawo zvisiri zvekutengesa;
- Vashandisi vanofanira kutaura nezvemunyori uye kwavakatora zvirimo sezvavanoita nezvimwe zvinyorwa;
- Kunyora kunofanira kusanganisira ruzivo rwese rwekodzero uye rumwe ruzivo rune chekuita nezviri mukati uye URL yewebhusaiti yeDerek Prince Ministries;
- Hapana zvinyorwa zvirimo zvinogona kushandurwa kana kuchinjwa;
- Vashandisi vanofanirwa kutevedzera zvimwe zvese zviga kana zvisingabvumidzwe zvinoshanda kufaira, mufananidzo, kana zvinyorwa zviri kushandiswa.
Vimbiso
Nekudhawunirodha, kupurinda, kana kushandisa zvimwe zvinyorwa nemifananidzo kubva pawebhusaiti ino, vashandisi vanobvuma uye vanovimbisa kuti vachashandisa zvakanaka uye vachatevedzera zviga uye mamiriro erezinesi iyi, uye havafanirwi kutyora kodzero dzeDerek Prince Ministries kana mumwe munhu kana sangano. Derek Prince Ministries haina vimbiso yekuti kushandiswa kwezvinyorwa, mifananidzo, uye zvimwe zviratidziro zviri pawebhusaiti hakuzokanganise kodzero dzemapato echitatu(third parties) asiri muridzi kana ane hukama neDerek Prince Ministries.
Zvine chekuita nekutengesa hazvibvumidzwe
Kushambadza zvine kutengesa mukati kana kushandiswa kwezvinyorwa, mifananidzo kana zvimwe zviri pawebhusaiti ino zvisina mvumo hakubvumidzwe. Chero munhu anoda kushandisa mafaira aya kana mifananidzo pazvinangwa zvekutengeserana, kushambadza, kana zvimwe zvikasakafanirwa nekodzero nemutemo, anofanirwa kutanga akukumbira uye apihwa mvumo yakanyorwa kubva kuDerek Prince Ministries. Mvumo yekushandisa yakadaro inopiwa pachimwe nechimwe chiri kukumbirwa kuDerek Prince Ministries. Mubhadharo wekushandisa unogona kuzovapo zvichienderana nemamiriro uye maitiro ekushandisa anenge akumbirwa.
Mibvunzo?
Ndapota taura nesu kana uine mimwe mibvunzo ine chekuita nechirevo cheCopyright.
Taura nesu