Kurairwa Rudo

Derek Prince
Published: 1970
Last Updated: نوفمبر ٢٠٢٦
Read Time: 6
This teaching is not currently available in اَلْعَرَبِيَّةُ.
Rudo ndirwo rairo raJesu uye chiratidzo chakajeka chevadzidzi vake. Magwaro anodaidzira vatendi kuti vasarudze rudo rusina kuzvifunga, runozvipa, vachitevera muenzaniso waJesu kunyange mukutambudzika. Rudo rwakadaro runoratidza hupenyu hwaMwari muvanhu vake uye runotaura kune nyika isina kubatana.
Munyika mune kutambura uye kupesana kwakawanda, tinofanira kurarama sei maererano nemurayiro waJesu wokuti ‘tidanane’? - Muchiratidzo chakasimba chebhaibheri Derek Prince anoratidza maitirwo eizvi nekutinongedza kumuenzaniso waJesu nemadiro aaiita.
Muna Johane 13 vs. 34–35 inoti:
“Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudanane; sezvandakakudai imi, nemiwo mudanane. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”
Rudo urwu haisi sarudzo. Unotova murairo. Jesu akati unotova murairo mutsva.
Vanhu vechiJuda vakajaira Mitemo ineGumi yaMosesi. Neimwe nzira unogona kudaidza mutemo wekuva nerudo semutemo wegumi nerimwe asi ini ndinovimba nekutenda kuti, rudo mutemo unobatanidza mitemo ine gumi yose.
Tinofanira kudanana sei?
Seizvo Jesu akatida. Ikoko ndiko kusava noumbimbindoga, kuzvipa, kutsvaka kutanga zvakanakira vamwe. Jesu akati kana ukava nerudo rwakadaro nyika yose ichasimudza meso ichicherechedza, nokuti hakuna kumwe kwavanoruona rudo irworo. Chavanoona kuzvida, kuzvitsvagira, uye nokuzvifunga. Unotokwanisa kushandura mamiriro ezvinhu nekuratidza rudo rwaMwari.
Ukada kubvunza vanhu vazhinji nhasi kuti murangariro wavo wekereke yechiKristu ndeupi havangatauri maererano nerudo. Handiwo maonero atiri kuitwa nenyika. Pane zvinoshamisa uye zvine mbiri kunze, asi zvakanyanya ivo vanotiona isu vanhu vechitendero. Vanhu vanotevera mitemo.
Naizvozvo tine sarudzo mbiri. Tinogona kudanana semadirwo atakaitwa naJesu tova vanhu vanoteerera, kana kuti tinokundikana kudanana tova vanhu vasingateerera. Jesu haana kumboshandisa mashoko asina maturo. Akati, “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” Zvinogoneka kuti zviitike.
Ini handisi munyori wenhoroondo neimwe nzira asi ndinoziva kuti muUmambo hweRoma, uhwo hwakanga huri humwe hwemasimba makuru ati ambonyorwa munhoroondo, vasingatendi vakati nezvevaKristu, “Onai kuti vaKristu ava vanodanana sei. .” Ndiwo mafungire avo. Uye yakakunda.
Mukati memazana matatu ehumambo hune simba kwazvo panyika panguva iyoyo hwakanga hwatevedzera zvaitaurwa naJesu, muvezi wechiJudha akaparara nekurovererwa navaRoma. Havana kugona kuzvitsanangura. Havana kuzvinzwisisa. Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, veganda rakasiyana-siyana uye magariro evanhu vaidanana. Vakagadzira nzira yehupenyu hutsva hwakabata nyika yese yeRoma.
Rudzi rwerudo urwu harusi rwemanzwiro. Inotova sarudzo. Ndinoda kukuendesa kuvhesi rekutanga reMapisarema 18. Aya ndiwo mazwi aDavidi:
“Ndichakudai, haiwa Jehovha, simba rangu.”
Dhavhidhi akaita sarudzo. Wati wamboita sarudzo iyoyo here? Wakambonyatsosarudza here kuti uchada Jehovha nezvose zviri mandiri?
Dhavhidhi akazvisarudzira oga. Asi muna 1 Johane chitsauko 4 takatarisana nesarudzo yemubatanidzwa inotiendesa mberi:
“Vadiwa, ngatidanane, nokuti rudo runobva kuna Mwari; uye mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” ( 1 Johani 4:7 )
Unoona kuti isarudzo yemubatanidzwa. Ngatidananei. Muedzo wekupedzisira hausi wekutevera dzidziso, asi rudo.
Mumwe nomumwe ane rudo akaberekwa naMwari. Haukwanisi kuve nerudzi rwerudo urwu kunze kwekunge wakaberekwa naMwari. Asi kana wakaberekwa naMwari humbowo hunofanira kuva rudzi rworudo irworwo .
Muenzaniso wakakwana weizvi ndiJesu. Vakaita zvose kwaAri. Vakamurova, vakamubaya maoko netsoka dzake, vakamupfekedza korona yeminzwa pamusoro wake, vakamupa vhiniga kuti anwe, vakamutuka, vakamuzvidza, asi chinhu chimwe chete chavasina kugona kuita, kuita sei ?
Havana kugona kumudzivisa kuda. Akavada kusvika kumagumo. Munoona, kana ukada nerudzi rwerudo urwu hapana anogona kukudzivisa. Ndiwe wega munhu akasununguka panyika nekuti hapana anogokwanisa kukudzivisa pakuita zvaungada kuita.
Ndizvo zvandinotenda kuti Mwari vakatimirira—kuti tidanane nerudo rwake rutsvene.
Tingataura zvatinofarira pamusoro pekutenda nokururama, asi kana pasina chatinoitira avo vane hanya nesu chaizvo tinenge tichingotaura mashoko asina maturo. Uye hapana kushomeka kwevanhu vane hanya nesu.
Ndaigara ndichishamiswa nomunyengetero waPauro uri muna VaFiripi chitsauko 3:
“Kuti ndimuzive, iye Jesu, nesimba rekumuka kwake uye nekuyanana naye mukutambudzika kwake.
Ndazoona kuti zvimwe zvinhu zvinongouya nekutambudzika.
Kutambudzika kunoita chimwe chinhu chisingazoitwe nechimwe chatingafunga nezvacho. Uye ipapo ndinorangarira pandakanga ndiri muchiuto ndiri mune yavanoti Uto reBritain rinoita nezvekurapa. Ndakadzidza nokudyidzana kwandakaita nemasoja angu okuBritain kuti vanhu vakapfuura nomunguva yakaoma chaiyo, ine ngozi vari pamwe chete, vari mumoto, vaka[inda mumigero, vange vari kupi nokupi—vanobatanidzwa pamwe chete kuburikidza nenzira isingambobatanidzwi vamwe vanhu nayo.
Vanogona kunge vakasiyana chaizvo pahunhu hwavo, magariro avo, zvimwe zvinhu zvakawanda, asi vapfuura mazviri pamwechete zvinovabatanidza pamwe. Uye ndinofunga kuti Jesu anoda kuti tibatanidzwe naye pamwe chete, uye kana tikapfuura nemumatambudziko tiine chisungo naYe hachingadamburwe. Naizvozvo handisi kugamuchira kutambura, asi ndakazvigadzirira. Ndinoziva kuti pane zvimwe zvinhu zvokuti Mwari haagone kuita mandiri pasina kutambudzika..
Ko imi? Mungada kuzvipira here? Kuzvipira kuri mumagwaro. Ungati here mumashoko aPauro, “Kuti ndimuzive, simba rokumuka kwake uye nokuwadzana nokutambudzika Kwake. Unoswedera pedyo naShe kupfuura zvawakambova. Uye ndizvo zvinodiwa naMwari. Ndinoda kukupa ropafadzo yekuita chirevo chinotevera chinyararire.
Prayer Response
Ishe Jesu ndinokutendai nekuti makandifira pamuchinjikwa. Kuti Makandida nerudo rusingaperi. Kuti Makandikwevera kwaMuri netsitsi dzerudo.
Uye zvino, Ishe, ndine chikumbiro chekuti ndikuzivei nesimba rekumuka kwenyu uye neruwadzano rwekutambudzika kwenyu. Kuti ndiswededzwe kwaMuri kupfuura zvandakamboziva muupenyu hwangu. Ishe, ndinozvipira kwaMuri ndisingazezi.
Nditorei sezvandiri mundiite sezvamunoda kuti ndive nokuda kwembiri yenyu Ishe. Muzita raJesu. Ameni.

تنزيل مجاني
هذه الرسالة التعليمية متاحة للتنزيل والطباعة والمشاركة للاستخدام الشخصي أو الكنسي.
تنزيل ملف PDFرمز: TL-L808-100-SNA










